Isaiah 10

1Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama,
neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,
2kuti vadzivise varombo kodzero dzavo
uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu,
vachipamba chirikadzi
uye vachibira nherera.
3Muchaita sei pazuva rokutongwa,
njodzi painouya ichibva kure?
Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe?
Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?
4Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa,
kana kuwira pakati pavakaurayiwa.
Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,
ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Kutonga kwaMwari pamusoro peAsiria

5“Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu,
iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!
6Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari,
ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa,
kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa,
nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.
7Asi izvi handizvo zvaanoda,
izvi handizvo zvaanga achifunga;
vavariro yake ndeyokuparadza,
kupedza chose marudzi mazhinji.
8Anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?
9Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here?
Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi,
uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?
10Ruoko rwangu sezvarwakatora umambo hwezvifananidzo,
umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,
11ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro
sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’ ”
12Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake. 13Nokuti iye anoti,

“ ‘Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi,
uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa.
Ndakabvisa miganhu yendudzi,
ndikapamba pfuma yavo;
semhare ndakakunda madzimambo avo.
14Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere,
saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi;
savarume vanounganidza mazai akasiyiwa,
saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose;
hakuna yakapfakanyisa bapiro,
kana kushamisa muromo wayo kuti irire.’ ”

15Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here?
Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here?
Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura,
kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!
16Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose,
achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta;
pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa
kufanana nemirazvo inopfuta.
17Chiedza chaIsraeri chichava moto,
noMutsvene wavo murazvo womoto;
muzuva rimwe chete uchapfuta
ugopedza minzwa yake norukato rwake.
18Kubwinya kwamasango ake neminda yake
yakaorera kuchaparadzwa chose,
kufanana nomurwere anoramba achipera.
19Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo,
zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.

Vakasara veIsraeri

20Pazuva iro vakasara veIsraeri,
vakapunyuka veimba yaJakobho,
havachazovimbi naye iye akavarova,
asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.
21Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho,
vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.
22Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa,
vachasara chete ndivo vachadzokera.
Kuparadzwa kwakatotemwa,
kuzere nokururama.
23Ishe, Jehovha Wamasimba Ose
achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.
24Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:

“Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni,
musatya vaAsiria,
vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo,
sezvakaitwa neIjipiti.
25Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera,
uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”

26Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava,
samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi,
uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji,
sezvaakaita muIjipiti.
27Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu,
nejoko ravo pamitsipa yenyu;
joko richavhuniwa,
nokuti manyanya kufuta.

28Vanopinda muAyati;
vopfuura nomuMigironi;
vochengeta nhumbi paMikimashi.
29Vanopfuura napamupata, vagoti,
“Tichadzika matende paGebha usiku.”
Rama rinobvunda;
Gibhea raSauro rinotiza.
30Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi!
Teerera, iwe Raisha!
Newe Anatoti unonzwisa urombo!
31Madhimena riri kutiza;
vanhu veGebhimi vanovanda.
32Zuva ranhasi vachamira paNobhi;
vachakunga chibhakera chavo
pagomo remwanasikana weZioni,
pachikomo cheJerusarema.

33Tarirai, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,
achatema matavi nesimba guru.
Miti mirefu refu ichawiswa,
uye yakareba ichadzikiswa.
34Achatema matenhere esango nedemo;
Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.
Copyright information for SnaBDSC